Bhaibheri

Vakaropafadzwa

Methodist Nziyo 180

1

Vakaropafadzwa Varombo pamweya; Nokuti Ushe hwaMwari Ndohwavo kudenga.

2

Vakaropafadzwa Vanochema pano; Vachanyaradzwa naIShe Vachafara kwazvo.

3

Vakaropafadzwa Vasingazvikudze; Vachagara nhaka huru Yokunyika yose.

4

Vakaropafadzwa Vose vane nzara; Vanotsvaka kururama Vanozogutiswa.

5

Vakaropafadzwa Vose vane ngoni; Kana vachitongwa ivo Vachanzwirwa tsitsi.

6

Vakaropafadzwa Vane mwoyochena; Vanotsvaka Mwari Vachazomuona.

7

Vakaropafadzwa Vanoyananisa; Voita basa raMwari Ndivo vana vake

8

Vakaropafadzwa Vanotambudzwawo; Nokuti Ushe hwaMwari Ndohwavo kudenga.

9

Tarisazve nziyo idzi: 82

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.