Bhaibheri

Mwoyo yenyu ngairege

Methodist Nziyo 196

1

Mwoyo yenyu ngairege Kuchemera vafi, Vose vanotenda Jesu Vaponiswa naye.

Chorus

Ndiye M'ponisi, Ndiye upenyu Norumuko rwedu.

2

Mwoyo yenyu ngairege Kuva nourombo; Munotenda kuna Mwari, Tendaiwo kuneni.

3

Mwoyo yenyu ngairege Kungochema-chema; Jesu wakamuka zvake Nesu tinomuka.

4

Mwoyo yenyu ngairege Kungochema-chema; Jesu anodisa vana Anovachengeta.

5

Mwoyo yenyu ngairege Kungochema-chema; Vana vose ndava Mwari Vanozoda Jesu.

6

Mwoyo yenyu ngairege Kungochema-chema; Mwari anotipa vana, Ndiye anotora.

7

Mwoyo yenyu ngairege Kungochema-chema; Muchaenda kuna iye Kuti muchitenda.

8

Zvino tinocherechedza Uyu mwana wedu, Iye anotungamira Kuna baba wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.