Imbai masimba nengoni dzake
Methodist Nziyo 2
1
Imbai masimba, nengoni dzake, Wakafukidzwa nezvinopenya; Hasha dzake dzose dzinotinhira, Anofamba-famba pachamupupuri
2
Ana masimba, wakaisika Nyika nezvose zviri mairi; Wakaitsigira nomurairo, Wakaikombera negungwa yose.
3
Kufudza kwenyu kusingarehwe, Kuri pamhepo napakupenya, Kuri pamakomo nepamakana, Kuri pane mvura napane dova.
4
Isu venyika hatine simba. Tinotarira chete kwamuri; Tsitsi dzenyu dzose dzisingapere, Musiki nehama nomununuri.
5
Muna masimba norudo rwose, Ngirozi dzinokutunhidzai; Nesu venyika tokutunhidzai, Tokurumbidzai kusingapere
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.