Jerusarem musha wangu
Methodist Nziyo 204
1
Jerusarem, musha wangu! Musha wakanaka! Kana ndapedza mabasa Ndinenda kwauri.
2
Ndichauona riniko, Uyo musha wangu? Une dzimba dzakanaka, Nokudya kutsvene.
3
Hapasisina kuipa, Hapana nenhamu, Ndinoramba ndichienda Kumusha mutsvene
4
Ndingatye here kurwadza? Ndingatize kufa? Kwete, ndinoenda Kanana, Nyika yandinoda.
5
Vaprofita, vapostori, Vakafira Jesu Varipo pamwe naKristu; Neni ndichaenda.
6
Jerusarem musha wangu, Wandinotsvakisa! Kana ndasvika kwauri, Ndichafara kwazvo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.