Bhaibheri

Musi weSvondo waIShe

Methodist Nziyo 208

1

Musi weSvondo waIShe Tauona kakare; Imba yenyu youtsvene Taipinda kakare.

2

Baba chipindai nesu, Tinzwe kuti murimo; Igoti nemwoyo yedu Igamchire zwi renyu.

3

Tarirai nhumwa dzenyu Mugodzisimbaradza; Kuti nhasi dzitaure Matama enyu oga.

4

Tandai zvinhu zvenhando Zvisatikanganise; Tigonyatsokufungai, Nemwoyo yedu yose.

5

Ratidzai kushaya kwedu, Rudo netsitsi dzenyu Kuti tizvikumbirire Kuti tizadzwe nazvo.

6

Muvaropafadze vose Vasipo pano nhasi. Kuti vanhu venyu vose Vawane rudo rwenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.