Bhaibheri

Nguva yakanaka Jesu

Methodist Nziyo 211

1

Nguva yakanaka Jesu Yokuuya kwamuri Kuti tinzwe zvivimbiso Zvarehwa nemi Ishe.

2

Muve nesu musi uno Kuti tinzwe chaizvo, Tibatise idi renyu Ramazwi oupenyu.

3

Pfungwa dzedu dzizarurwe, Tinangiswe kudenga; Chokwadi chivhenekere Kuti tisarasike.

4

Tipfavise, titivise, Tirambe takashinga; Tipei simba rokuita, Zvinhu zvakarurama.

5

Matama enyu ngaave Sembiriso muupfu, Inoita basa ravo Kuti upfu huvire.

6

Tinoda kuve zvapupu Zveidi ratinaro Kuti hama dzirinzwewo Dzigozvizivirawo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.