Bhaibheri

Baba wedu tinouya

Methodist Nziyo 213

1

Baba wedu tinouya Kuzonamata, Kuti makatichengeta Nokuda.

2

Imi makatuma Jesu Munyika yedu, Kuti munotida isu Zvikuru.

3

Wakaparadzira isu Rudo netsitsi; Wakashuma kuti Mwari Ndibaba.

4

Jesu akagotifira Pamuchinjikwa; Akagotiregerera Netsitsi.

5

Zvakaipa zvedu zvose Wakazvitora; Mhosva dzedu wakaripa Nokufa.

6

Baba tinokutendai Kuti matida; Tichaedza basa renyu Nokuda.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.