Mwari baba wedu
Methodist Nziyo 218
1
Mwari baba wedu, Anotichengeta Muyamure vose Vari pakushaya.
2
Navari munhamu Nomukuremerwa, Muvaropafadze Vose vanyaradzwe.
3
Baba, tarisai Vose vanofamba; Onisai ngoni Kuna vakasungwa.
4
Muchengete avo Vose vanorwara, Nadzo chirikadzi, Murere nherera.
5
Ivo vakaraswa, Navakamanikwa, Batai nengoni Ava vanhu vose.
6
Tipeiwo ngoni Tive tinoshanda Pamwe chete nemi Kuna vanoshaya
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.