Bhaibheri

Baba! mune simba rose

Methodist Nziyo 236

1

Makati vana vaduku Ngavauyiswe kwamuri, Umambo huri kudenga Hwakamisirwa vaduku.

2

Tinouya navo Tenzi Ndivava vatakabata, Vagamuchirei nhasi, Vave venyu nguva dzose.

3

Mweya wenyu uye Tenzi Ngaugarewo mavari, Kuti kuipa kwenyika Kusazovanyonganisa.

4

Itaiwo kuti tose Mufambiro wedu wose Usazovarasikisa Tisavadzosere shure.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.