Bhaibheri

Tivhenekerei

Methodist Nziyo 244

1

Tivhenekerei Chiedza chavanhu; Nezwi rakanyorwa Tiratidzwe imi-

2

Kuti vana venyu Vadzidze nenyasha, Nokunanganidza Muuso hwaMwari.

3

Tumai kwatiri Mweya woupenyu, Kuti titunhidze Zita renyu chete;

4

Zarurai nzeve, Pfungwa dzitsigiswe, Kuti vana vanzwe Zvinhu zvakaitwa.

5

Tireverei, She, Titaure zvenyu; Nezve shoko renyu Tigodzidzisawo;

6

Hwayana dzizive Izwi roMufudzi, Dzigomutevera Dzifare murudo.

7

Garai matiri Tikutodzei She Mudiwe, mukudzwe, Mushandirwe nesu-

8

Kuti nzira dzedu Dzidzidzise vana Kutevera imi Nayo mwoyo yose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.