Bhaibheri

Tiyamurei nengoni

Methodist Nziyo 247

1

Tiyamurei nengoni Pakuteurira vamwe Votoisa mberi kwenyu, Ishe wedu wakanaka.

2

Tokuteurai Ishe Kuti mutonge, mubate Chechi yenyu tsvene kwose Ifambe munzira yenyu.

3

Ishe, tinoteurira Vaparidzi, vadzidzisi, Kuti muvavhenekere Vazivise izwi renyu.

4

Tokuteurai Ishe Kuti nokugara kwavo Napakudzidzisa kwavo Vazarure izwi renyu.

5

Ishe, tinoteurira Vose vanhu venyu kuti Varinzwe, variterere Izwi renyu nokurida.

6

Ishe tinoteurira Ivavo vakanyengedzwa, Muvadzorere munzira Yorudo nezvirokwazvo.

7

Tokuteurai Ishe Musimbise vakaneta Muyamure vanoedza Mubate vose nengoni.

8

Jesu makareva kare, Anokumbira wopiwa; Tiitirei She zvino, Sezvakafanera isu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.