Bhaibheri

Jesu wakambova mwana

Methodist Nziyo 269

1

Jesu wakambova mwana Kufanana nesu, waichibatsira baba Naamai vake.

2

Jesu wakambova mwana Wakadzidziswawo, Wakadzidza kuverenga Nokunyora sesu.

3

Jesu wakambova mwana Waida kutamba, Waitamba nokufara Neshamwari dzake.

4

Ngatigare zvakanaka Kufanana naye, Timufadze pakutamba Napabasa redu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.