Vaduku vakaimba
Methodist Nziyo 272
1
Vaduku vakaimba Hozana! Hozana! MuTemberi rekare Vakaimba rwiyo; Kuna Jesu Shamwari, Waivada kwazvo, Vaduku vakaimba Nziyo dzinofadza.
2
Vakamuperekedza Pamwe navazhinji Vachiimba zvikuru Nokupemberera. Ngirozi dzakaimba Pamwe chete navo; Hozana wokudenga; Mwari ngaakudzwe.
3
Mashizha akanaka Akawaridzwapo, Maungira erwiyo Akanzwikwa kose. She wedenga nepasi wakatasva dhongi, Asingashore vana Vakamuimbira.
4
Hozana wokudenga! Tinoimba navo, Jesu M'ponisi wedu, Mambo wokudenga. Ngatiimbire Jesu Nomwoyo namazwi, Tigare nokufara Nokusingapere.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.