Bhaibheri

Mati imi baba wedu

Methodist Nziyo 286

1

Mati imi baba wedu Pakusika kwenyu vanhu, Makavasika vaviri, Murume nomunhukadzi.

2

Makariburitsa izwi; Munhu ngaasiye baba Agare nom'kadzi wake, Vave nyama imwe chete.

3

Naivava vatsva vedu Murume nomusikana Vauya kusvitswa pano Seyo tsika ye'zwi renyu.

4

Vaitei vave mumwe Nokubvuma nokuita; Vati pakugara kwavo Vayamurane norudo.

5

Vasimbaradzei baba Vaibate nzira yenyu Pamakore avo ose Vachengetwe nemi baba

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.