Mangwanani zvinhu zvose
Methodist Nziyo 289
1
Mangwanani zvinhu zvose Zvinovonga imi Ishe; Imi muno 'penyu hwose, Nesu takachengwa nemi.
2
Hero zuva rinobuda Richifamba nzira yaro; Naro rinotizivisa Kuti muri Ishe waro.
3
Nokusvika kwoyo musi Kwava nokuyedza kwawo; Hoyu! Nawo unoreva, Hunzi, muri Muiti wawo.
4
Namatenga akakomba, Amire neminamato, Naiwo anodzidzisa Achiti, Muri muchengi.
5
Zvose zvinhu zvatarira, Imi kose kudya kwazvo; Zvinenge zvinokumbira Kwamuri, Musiki wazvo.
6
Tinogoti baba wedu, Imi tinokuvongai, Imi M'sununguri wedu, Nemiwo Mweya Mutsvene.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.