Bhaibheri

Nevatsvene avo vazorora

Methodist Nziyo 310

1

Nevatsvene avo vazorora Vakarumbidza namabasa Zita raJesu kusingapere Ha-areruya! Ha-reruya!

2

Ndimi dombo, bako, namasimba Mbirimi yavo muhondo huru Murima guru imi mwenje wavo Ha-areruya! Ha-reruya!

3

Varwi venyu, vakarwa nesimba Savo varwi vazorora nemi Vawanewo ngundu yavo vakundi Ha-areruya! Ha-reruya!

4

Ruwadzano rwakaropafadzwa Toshinga vatsvene vachibwinya Vose pamwe vose ndevenyu Ha-areruya! Ha-reruya!

5

Kana kurwa kwaremesa kwazvo Tonzwa kure nziyo dzokukunda Mwoyo yosimba kwazvo Ha-areruya! Ha-reruya!

6

Runako rwekudoka kwezuva Kuzorora kwevari vakundi Nerunyararo muParadhisi Ha-areruya! Ha-reruya!

7

Kozosvika kubwinya kwezuva Vakundi nenguwo dzinobwinya Mbiri kuna baba, Mwana Mweya Ha-areruya! Ha-reruya!

8

Nyika Yose pamwe nemakungwa Nzizi nezvisikwa zvorumbidza Mbiri kuna Mwari, vatatu'mwe Ha-areruya! Ha-reruya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.