Bhaibheri

Mweya Mutsvene waMwari

Methodist Nziyo 77

1

Mweya Mutsvene waMwari! Garai muno mumba, Burukai zvino nesimba, Uyai Mweya, uyai.

2

Uyai Mweya, kufanana Kupenya kwezuva; Vhenekerai mwoyo yedu, Onisai kuipa.

3

Onisai rushavashava Nezvirwere zvose Titungamirei panzira Panenda vatsvene.

4

Uyai serimi romoto, Pisai mwoyo yedu, Tichive zviteuriro Kuna Ishe wedu.

5

Uyai Mweya kufanana, Dova rokudenga, Mwoyo isingabereke Ive namapudzi.

6

Uyai senjiva yedenga, Mutivhumbamire Namapapiro orudo Noruregerero.

7

Uyai sedutu remhepo Nesimba renyasha, Kuti vanhu vakuonei, Noutsvene hwenyu.

8

Uyai Mweya wokudenga Mukugara kwedu; Mutiite musha wenyu, Uyai, Mweya, uyai.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.