Bhaibheri

Mweya woutsvene

Methodist Nziyo 82

1

Mweya woutsvene Uyai kwatiri; Mutivhenekere Nomumwoyo yedu; Tanga tarasika Tikakwezvwa nemi, Nhasi totarira Nemwoyo kwamuri.

2

Mweya woutsvene Uyai kwatiri, Mutizarurire Mununuri wedu; Titungamire Pane tsoka dzake, Mutipupurirei Noruregerero.

3

Mweya woutsvene Uyai kwatiri, Mutitsvenisire Mwoyo yedu yose; Ndimi muvimbisi Wezvo kuna Ishe; Ndimi mufadzisi Nezvo zvokudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.