Bhaibheri

Izwi renyu Mwari

Methodist Nziyo 86

1

Izwi renyu Mwari Ranzwikwa nerima Raparara; Tinzwe isu nhasi Kuti nyika dzose Dzisati dzarinzwa Dziyedzerwe.

2

Makauya Jesu Nesimba no'penyu Kuponisa; Mapofu mumwoyo Akarapwa nemi, Itai pasi pose Payedzerwe.

3

Mweya wechokwadi Upenyu norudo, Chiburukai; Pararirai kwese Nomwenje wengoni; Nzvimbo ine rima Iyedzerwe.

4

Mwari mumwe chete, Vatatu Mutsvene, Mwari wedu; Muri ngoni dzose Norudo, nesimba. Nokubwinya kose, Tiyedzere!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.