Bhaibheri

Wandiitirei Jesu?

Methodist Nziyo 96

1

Wandiitirei Jesu? Ona! waburuka denga, Wasiya umambo uko Kuti ndive muupenyu.

Chorus

Ndiye Jesu! Ndiye Jesu! Mununuri ano rudo, Anondipa nhaka uko, Kune nzvimbo inopenya.

2

Wakandiitireizve Wandibvisa mukutadza Wakawana chinhu here? Kwete! wakauraiwa.

3

Aripiko Jesu zvino? Wakakwira pakudenga, Achazodzoka kakare Noumambo nokubwinya.

4

Ndinomuda Jesu here? Hongu! Ndinomudisisa! Ndichamuona pachake Narini ndimurumbidze.

5

Tingamuzive seiko? Dzokai mumutevere, Haarambe munhu kwete Chimbidzai mumugam'chire.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.