Ndinomuda ndinomuda
RCZ Nziyo 116
From German Hymn Book.
1
Ndinomuda, ndinomuda! Ndimi SHE wandinoda; Kare ndanga ndarashika; Ndichitsvaka zvomunyika; Zvino fuma huru yangu Ndimi, Muponesi wangu! Ndinomuda, ndinomuda! Ndimi SHE wandinoda!
2
Ndinomuda, ndinomuda! Ndimi SHE wandinoda! Kare ndanga ndanetsiwa Nomufaro ndaishayiwa; Zvino Jesu wandidana, Wakazondiita mwana. Ndinomuda, ndinomuda! Ndimi SHE wandinoda!
3
Ndinomuda, ndinomuda! Ndimi SHE wandinoda! Jesu mundiudze kwazvo Zvandingamufadza nazvo; Ndidzidzeiwo misi yose! Ndigomupa mwoyo wose. Ndinomuda, ndinomuda! Ndimi SHE wandinoda!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.