Bhaibheri

Ndakaitirwe nyasha huru

RCZ Nziyo 130

From German Hymn Book.

1

Ndakaitirwe nyasha huru Inyasha dzaSHE dzoga ’dzo. Rinenge riri nenji guru, SHE Jesu wandifirawo. :/: NdiMuponesi wanguzve, :/: :/: Inyasha dzaakandipa SHE. :/:

2

Ndakanga ndisina kunaka, Bva zvino ndashanduka sei. Ndakanga ndawandirwe mhaka, Ini ndaidziripa nei! :/: NdiJesu wandinatsazve, :/: :/: Inyasha dzake, iye SHE! :/:

3

SHE Jesu, ndinotenda zvose Zvenyasha dzamakandipa! Ndichanyepera vanhu vose, Ndichiti: Jesu watida! :/: Ndoshuva kuti vamude, :/: :/: Vatsvake nyasha dzenyu, SHE. :/:

4

SHE Jesu wangu wounyoro, Mundipe nyasha dzenyuzve; Mugondisvitsawo kum’soro Kudenga kwamuri’mi SHE. :/: Kwandichandomuongazve :/: :/: Zvandakapiwa nemi, SHE! :/:

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.