Bhaibheri

Ndakarwirwa nemi Jesu

RCZ Nziyo 133

’k Ben verlost. Hall. 259.

1

Ndakarwirwa nemi, Jesu; Ndakatengwa ha.....ngu! Ndinotenda Shoko renyu, Handizovi wa.....ngu!

Chorus

Ndakasunungurwawo, Jesu, ndava we.....nyu, Zvose zvose ndozviisa Pamakumbo e.....nyu.

2

Ndakarwirwa, zvino, Jesu. Ndinozvipa ha.....ngu; Ndodo kumutenda chose, Handizovi wa.....ngu.

3

Ndakarwirwa, simba rose Ndakapa SHE wa.....ngu. Kushumira iye oga, Handizovi wa.....ngu.

4

Ndakarwirwa, ndava waSHE, Chose paruzi.....ma; Ndichandomuona uko, Ndigomurumbi.....dza.

5

Mweya Wakashananguka. Zadza mwoyo ye.....du; Kuti tose tigoreva: Hatizovi ve.....du!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.