Bhaibheri

Rinozipa zuva rino

RCZ Nziyo 151

From German Hymn Book.

1

Rinozipa zuva rino! Rinositiunganidza; Tinofara naro zvino, :/: Tichikudza SHE Jehova! :/:

2

Rinozipa zuva rino! Iro rakashanangurwa, Rakasikwa nyika naro, :/: Uye zvose zvokudenga! :/:

3

Rinozipa zuva rino! Iro rinotizorodza, Ratisingabati naro, :/: Tigokwasha zvoWedenga! :/:

4

Rinozipa zuva rino! Ndiro zuva rokumuka KwoMuraramisi wedu, :/: Jesu, Mwana woWedenga! :/:

5

Rinozipa zuva rino! Ngatiimbe nziyo dzedu, Ngatimukudzise nadzo, :/: SHE Jehova, Tenzi wedu! :/:

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.