Bhaibheri

Mweya wangu rangarira

RCZ Nziyo 165

Treed nu toe, verloste ziele. Gez. 106.

1

Mweya wangu, rangarira Jesu Kristu wakufira; Unokukokera zvino, Kuti udye Chirayiro Chakashanangurwa naye, Ugopiwawo rugare: Unodya muviri waSHE, Uchinwawo ropa rake.

2

Chiuya-i maremerwa, Nemi mose makanyara! Ini, Jesu, ndinomuda, Ndini ndinomuzorodza! Bva mutende shoko rangu, Kuti nousiku uhwo Hwandakamutamburira; Ndakaramba kuda kwangu!

3

Kristu Jesu, ndinotenda Shoko renyu randakanzwa; Zvivi zvangu, ndinoziva Ndizvo zvakamusvavisa; Ndokumbire kanganwiro; Ndigobviswe mhaka dzangu; Mundiise kuna Bambo, Imi, Mumiriri wangu!

4

Ndinoziva munondida, Zvivi zvangu makabvisa; Zvino ndinoswederawo Ndichipanga nyasha dzenyu. Ndipei kudya, ndipei kunwa, Ndigopiwa nemi simba; Ndigomubatira kwazvo, Ndimukudze ndichi pano!

5

Jesu Kristu, tinoonga, Makatisimbisa zvino, Namashoko omufaro, Uye zviratidzo zvenyu. Zvino mutitaririre, Tichengetwe, tirindiwe, Tigomushumira mberi, Tichisvika uko seri!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.