Upenyu hwedu nzira
RCZ Nziyo 178
From German Hymn Book.
1
Upenyu hwedu nzira, Bva inogumepi? Kwatinovavarira, Kumusha ndokupi? Toisa meso edu Kwakaenda Jesu wedu; :/: Ngati’nde ikweyo! :/:
2
Jerusar’ma kum’soro, Rugare ruripo; Mufaro nezororo, Norudo ruri’po; Mukai, musanonoka, Muregewo kudzoka; :/: Ngati’nde ikweyo! :/:
3
Musati: Simba redu Richatisvitsako; Nokuti Jesu wedu Unosimbise’su. Nomwoyo uchipera, SHE uchatibetsera; :/: Ngati’nde ikweyo! :/:
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.