Bhaibheri

SHE wendudzi dzose

RCZ Nziyo 19

God reveals His Presence Ch. Pr 216.

1

SHE wendudzi dzose, Tinomuuchira, Tendai tichimuimbira! Makasika vose, Zvose zvose zvenyu, Isu tiri vanhu venyu. Jesu SHE Mutinzwei, Tichimutambira, Tichimushumira.

2

Vokudenga vose, Ongai Tenzi wenyu, Nokunatsa nziyo dzenyu! Timukudze tose, Zuva, uye mwedzi! Nyeredzi, tendaiwo nemi! Chipindai, Muchidai! Zvose zvapanyika, Kudzo igonzika!

3

Newe mwoyo wangu, Vamba rwiyo rwako Namasimba ako ose! Nemi, hama dzangu, Swederai pedyo, Tirumbidze Tenzi wedu! Chiitai Savanyai! Imi, ndudzi dzose, Mumuonge mose!

4

Norugare rwenyu, Imi, Tenzi wedu, Ruvewo mukati medu! Hareruya yenyu Tichazoigona Musi watichamuonai; Tipeizve Nyasha, SHE! Nomufaro wenyu, Isu, vanhu venyu!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.