Bhaibheri

Wakamukazve inzwai

RCZ Nziyo 200

Jesus Christ is arisen to-day. Ch. Pr. 92b.

1

Wakamukazve inzwai! Hareruya! Vanhu vose, chirevai! Hareruya! Vokudenga, uchirai; Hareruya! Vapanyika davidzai: Hareruya!

2

Bwerabva, varindiwo; Hareruya! Hwiro hwakakundwapo; Hareruya! Rufu harubati SHE; Hareruya! Kristu wakamukazve; Hareruya!

3

Jesu wakararamazve! Hareruya! Wakakunda ndiye SHE; Hareruya! Wakafa kurwise’su Hareruya! Tigosatya hwiro Hareruya!

4

Kuna Kristu chikwirai! Hareruya! Pana Tenzi wakadai, Hareruya! Zvivi, rufu, tikundei Hareruya! Kuna iye SHE hendei! Hareruya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.