Bhaibheri

Vaudzei vasingazivi Kristu

RCZ Nziyo 208

Tell it out among the Heathen, Ch. Pr. 189.

1

Vaudzei vasingazivi, Kristu ndiye SHE, Vaudzei, vaudzei! Vaudzei vendudzi dzose, vamurumbidzei, Vaudzei, vaudzei! Vaudzei vanhu vose vamuterere, SHE wesimba nokubwinya ndoworugare; Vaudzei, nyangwe dutu richirirapo. Kuti Tenzi wamafungu ndiye Tenzi weduwo.

2

Vaudzeiwo, Muchengeti wedu ndiye SHE, Vaudzei, vaudzei! Vaudzei vendudzi, vagosunungurwazve, Vaudzei, vaudzei! Vaudzei vanochema, Jesu mupenyu, Vaudzei vakanyara, vazorodzwewo! Vaudzei vachinyi, kuti wazorwiresu. Vaudzei vanofa, kuti watokunda bwirowo!

3

Vaudzei SHE wakabata ushe ikweyo! Vaudzei, vaudzei! Vaudzei zvoushe bwake, ndobworudowo, Vaudzei, vaudzei! Pamigwagwa, uye nzira, chidovaudzai! Pamakomo napagungwa, chidovaparidzai! Sokuwungawo kwemvura ngatidanesu, Mawungira agonzwika napazviwi zvosewo!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.