Jesu ndiye SHE inzwai
RCZ Nziyo 211
Wake the song. Cong. Ant. 4.
1
Jesu ndiye SHE, inzwai! Vanhu vose, chiimbai Jesu ndiye SHE, inzwai! Vanhu vose, chiimbai!
2
Jesu ndiye SHE, inzwai, Vanhu vose, chiimbai! Nhambo yozosvikapo Yava Jesu SHE nayo.
3
Vanhu vose uchirai, SHE wavashe rumbidzai! Nyika dzose mutendei, SHE mukuru mukudzei!
4
Namarudzi munzwewo: SHE wavashe uripo! Nyika dzose mutendei! SHE mukuru mukudzei!
5
Namasango, chifarai! Nemi zviwi, chiimbai! Zvinhu zvose zvitiwo: SHE wavashe uripo!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.