Bhaibheri

Ngatirumbidze Mwari

RCZ Nziyo 214

Vi prisa, vi tillbedja dig. Sv. Ps. 24. Mel. 211.

1

Ngatirumbidze Mwari Woushe bwokudenga, Pam’soro pezvorudo Nenyasha dzake huru. Wakapa nyika yose Mufaro norugare. E vanhu, ngatifare.

2

Tigwadamire Bambo Vesimba rose rose, Tikudze zita ravo Nokuti vane ngoni. Vanonzwa mikumbiro Yavanomushumira Nemwoyo inovada.

3

SHE Jesu Mwana wavo Wakada kutirwira Nokutidzikinura, Tizarurirwe denga. Wakatifira tose, Tigova noupenyu Husingatongoperi.

4

E, Mweya wezvokwadi, Natsai mwoyo yedu! Igova dzimba tsvene Dzokudzidzisa Mwari. Tichinyaradzwa nemi Tirambe tichivimba NaJesu SHE zvokwadi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.