Bhaibheri

Tarirai zviri kudenga

RCZ Nziyo 23

From German Hymn Book.

1

Tarirai zviri kudenga, Zuva, mwedzi, nyeredzi! Muchida kuzviverenga Hamungazvipedzi' zvi. Kunyanguva zvakawanda, Mumwe unozvifambisa, :/: Mwene wazvo uripo! :/:

2

Tarirai zvenyika Zvose Miti, nzizi, mabwewo, Uswa hunomera pasi, Mvura yomudenga'mo; Mwoto, rima, uye dova! Mhepo, chando chinorova! :/: Mwene wazvo uripo! :/:

3

Tariraiwo zvinofamba, Nzou nen'ombe, mhukawo; Ngwena, hove, zvoshambira, Zvinobhururuka'po! Zvose nokuwanda kwazvo, Unozvipa kudya kwazvo! :/: :/: Mwene wazvo uripo!

4

Tarirai navanhu vose, Mungarava ndudzi pai? Uye riya boka rose Mukudenga ravanyai? Bambo vanotida tose, Vanotaririra zvose, :/: Mwene wedu uripo! :/:

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.