Munhu ha’ngawani rugare
RCZ Nziyo 230
Ingen hinner fram. Sv. Ps. 265.
1
Munhu ha’ngawani rugare Asingatsvaki nesimba Hama, ngaurwire upenyu Husingatongoperi! Rakamanikana suo ’rero, Nzira inozova nhete iyo. Utsungise mwoyo, urwirewo Ugosarasha upenyu.
2
Denga routsvene robwinya, Ngaurishingairire. Ichazovaima korona Inofanirwa kushuva Saka uchimuka, uchenjere. Uzvigadzirire kutongeswa. Hazu dzakachena ufuke’dzo Kuti upinde mutambo.
3
Haungazopindi kudenga Usingatendi zvokwadi. Tenda, iwe, shoko rarebwa Naye, SHE wedu munyoro. Haungawaniko zvomufaro Usino kutenda kuna Jesu. Saka tendeuka, terera SHE, Nhambo yorwisa kupera!
4
She wodana vose venyika: “Vanhu rwirai upenyu!” Ungawana fuma dzenyasha, Chinyi chichazokukona? Bambo vokudenga vanokuda Jesu woguhudza, uzarure, Mweya wokumutsa, chimuka ’we. Ugozofara wamuka!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.