Jesu She Mufudzi wangu
RCZ Nziyo 236
Jesu du min frojd och fromma. Sv. Ps. 396.
1
Jesu She, Mufudzi wangu NoMukomboreri. Dzinozipa nyasha dzenyu Nenzwi renyu nyoro. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi!
2
Jesu zita renyu dzvene Rivambise zvose, Ndigobvidza kuzvipedza. Sezvakafanira. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi!
3
Donatsai nokufunga, Nokureva kwangu, Ndibatire zvoupenyu Husingazoperi. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi!
4
Ndichienda kundovata Ngamundichengete, Ndigomuka muchi pedo, Ndokuongwa neni. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi!
5
Zuva rangu richavira Pakunhoya kwangu. Bva ndipei, ndirarame Nokusingaperi, Dogarai neni, Ndive Jesu nemi!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.