Nyeredzi iwe wopfuura dzose
RCZ Nziyo 25
Brightest and best. Ch. Pr. 30.
1
Nyeredzi, iwe wopfuura dzose Tivenekere murima re.....du! Woubvazuva, chiedza chavose, Tiperekedze kuMwana Jesu!
2
Vamuradzika pakati pedanga, Kwanga kusina ugaro nesu; Zvino vatumwa vakabva kudenga, Vakazokudza SHE wavo Je.....su.
3
Isu tichandomukudzawo neiko? Ungafadziwa nefuma yei.....zve? Ko tingadusa zvinofadza vanhu, Zvose nyanguva zvinokoshe..... sa!
4
Izvozvo zvose hazvino mubato, Ha'ngafadziwi nezvipo zvakadai Chinofadzisa pameso aJesu, Ndokumukudza nomwoyo ku.....dai.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.