Bhaibheri

Uyai tiimbe nziyo dzedu

RCZ Nziyo 250

“Sumu” (African tune) 21.

1

Uyai tiimbe nziyo dzedu Zvatakapiwa naMwari wedu Wakada nyika akatipa Mwana wake mumwe woga. Ngatiuchire timutende; Upenyu hwake wakatipa. Ngatiimbire rudo rwake, Wakatipa Mwana wake.

2

Bambo vaJesu vane ngoni; Ani nani ungauya hake; Nyange vatsvuka zvivi zvako, Zvingacheneswa chosewo. Chirevurura zvivi zvako, Zvose ungakukanganwira. Chifugama utende chose, Kuna Jesu Muponesi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.