Bhaibheri

Jehovha wakati Abrahama

RCZ Nziyo 267

Abrahama nalsaka.

1

Jehovha wakati, Abrahama, Chienda kugomo reMoriya, Uchitora Isaka mwana wako, Mwana mumwe chete.

2

Wakafamba mazuva matatu, Vakaona gomo reMoriya. Vakasvika ipapo pagomo, Vakakwira imomo.

Chorus

Zvino huni tinadzo Nebangawo tinaro, Ko gwayana rechibayiro riripi? Zvinozihwa naSHE.

3

Vakaronga mabwe eartari Vakaisa huni pamusoro. Wakaudza Isaka mwana wake Kuti iwe ndiwe chibayiro.

4

Bambo zvino vakasunga mwana. Mwari akati regedza mwana Tarira kwawakafuratira, Gondohwe raivapo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.