Bhaibheri

Hapana paasiri

RCZ Nziyo 4

Op Bergen en in dalen.Gez.7.

1

Hapana paasi.....ri Wedenga Bambo SHE; Bva posewo pati.....ri Ndipo paari SHE! Mirangariro yo.....se Painokwirapo Kum'soro pasi po.....se, Wedenga uripo!

2

Hapana zvinhu zvo.....se Zvinodarikwapo; Vanomutenda vo.....se Vachachengetwawo! Mazana ezvishiri, Nebundo nairo; Nyanguvawo mako.....nye Worinda zvose'zve.

3

Zviri munyika yo....se, Zviri mumvurawo. Nezvinofamba po.....se Zviri mudengamo; Zviumbwa zvake zvo....se Uchazvinyimirei? Mazuva ose o.....se Zvinochengetwa sei!

4

Bva vana vaSHE Ba.....mbo Votaririrwawo; Uri parudyi rwa.....vo, Nokurubosweko. Pavanoshayiwa si.....mba, Panhamo dzosewo, Nyanguvawo parufu Wedenga uripo!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.