Bhaibheri

Mbira dzinorira

RCZ Nziyo 59

Golden harps are sounding. Ch. Pr. 97.

1

Mbira dzinorira, Vanoimbazve; Suwo rakashama Panopinda SHE; Jesu wakakwira, Mukudenga’mo; Unogwadamirwa Navagereko.

Chorus

Zvose zvakapera, Ngatiimbezve: ‘Jesu wakakwira, ‘Ngatikudze SHE!”

2

Ndiye watifira, Wakarwire’su; Zvino wokudziwa, Worumbidzwapo. Ha’ chazokundiwi, Kristu Jesu SHE; Nhamo ha’zozivi Nyange kufazve.

3

Unonyengetera Zvino, aripo; Unoshovedzera Vanhu vakewo! Unogadzirira Vana vake’po; Vanomushumira Vachaendako.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.