Kugadzwa Kwavatariri Namadhikoni
RCZ Mirairo 10
1
VaKristu vanodikanwa, munoziva kuti takambokuzivisai mazita ehama dzedu idzi kuti dzakashanangurirwa mubato woutariri (noudhikoni) pakereke ino. Takati kana kuno mumwe pakati penyu une shoko ringavadzivisa kuti vasagadziwa mibato iyoyi, areve. Zvino zvakusina wakatiudza shoko rinonyunyutisa pamusoro pomumwe waivava, tinovaisa pamberi penyu muzita raMwari. Imi hama dzangu munogadzwa, navose vari pano, tererai ndichikududzirai wavatariri (namadhikoni) sezvinoreva shoko raMwari. Vatariri Tinofanira kurangarira kuti pakereke paiva navatariri vamarudzi maviri. (1 Tim. 5:17) Vokutanga vakanga vari vafundisi veShoko vaiparidza Vhangeri nokugovera sakramende. Vepiri vairisa nokubata kereke vachibetsera vafundisi veShoko. Nomutoo wakadero veboka repiri vaibetsera vafundisi veShoko sezvaiita vaRevi vachibetsera vaprista pamubato wetembere; bva mumwe nomumwe waiva nomubato wake. Zvakanaka kuti varume vakadai vavepo vabetserane navafundisi vose vagotarira kuti zvinhu zvakaipa zvirege kukanganisa kereke yaMwari. Mubato wavatariri unoti: Wokutanga: ndowokurisa kereke panhu pamwe navafundisi nokutarira zvakanaka kuti mufambire womutendi mumwe nomumwe utenderane nokutaura kwake. Vanofanira kungwarira vaya vasingafambi zvakanaka nokutarira kuti Sakramende dzirege kushoorwa. Varayire vasingazvininipisi nokudzosera vakarashika kuna Mwari nokukereke. Wepiri: ndowokutarira kuti pakereke parege kubata munhu asati adaniwa nomutoo wakafanira. Vabetsere vafundisi pamibato yose yokubetsera vaKristu vachivanyaradza. Wetatu: ndowokungwarira dzidziso dzavafundisi nemifambiro yavo kuti zvose zvigoitwa nomutoo unorumbidzwa pakereke kuti dzidziso dzenhema dzirege kudzidziswa. Madhikoni PaMabasa 6:1 tinoona mutangire womubato wamadhikoni. Ipapo tinorava kuti: “Zvino pamazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe. Zvino vane gumi navaviri vakadana boka guru ravadzidzi vakati: Hazvina kunaka kuti isu tirege shoko raMwari, tichiita basa-ramatafura. Zvino hama dzangu, sarudzai pakati penyu varume vanomwe vanotendwa navanhu, vazere noMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. Asi isu tichatsungirira pakunamata napabasa reShoko.” Zvino tinoona kuti varume avo vakashanangurirwa basa rokuchengeta varombo kuti vapostori vagogona kutsungirira paminyengetero napamubato weShoko. Zvino mubato wamadhikoni ndiwoyu: Motsi: Vanofanira kubata pabasa rokuunganidza zvipo zvose zvekereke, vasingaiti nokumanikidza bva kuti varwadziwe mwoyo kuti zviya zvingabetsera kereke zviwande. Piri: Vatarire kuti zvipo zvose zvibetsere kufambisa basa raMwari nokubetsera varombo nomutoo unotendiwa. Vabetsere nomwoyo munyoro. Vasangovagovera zvavanoshayiwa paupenyu hwenyama bedzi asi vavavimbise nokuvanyaradza neShoko raMwari uye neminyengetero Vafundisi panhu pamwe navatariri namadhikoni vanoita Dare rekereke ravanofambisa nokuchengeta kereke naro. Zvino hama dzinodikanwa, chidavidzai vhunzo idzi kuti vose vagoona kuti munogamuchira basa renyu nomufaro musinganyunyuti. Ndinomuvhunzai imi vatariri (namadhikoni) 1. Ko munotenda mumwoyo menyu kuti makadanwa nekereke yaMwari uye naiye Mwari amene, kuti mubate mubato uyu mutsvene here? 2.Ko mutenda kuti manyoro eTestamende yeKare neeTestamende Itsva ndiro Shoko raMwari chairo here? Uye makarasha dzidziso dzose dzakatsauka here? 3. Ko munozvisunga kuti muchabata mubato wenyu nokutendeka nokururama, dzidziso dzenyu nemifambire yenyu zvichiva zvinorumbidzwa here, imi vatariri muchirisa kereke panhu pamwe navafundisi; (nemi madhikoni muchingwarira zvipo zvekereke nokuchengeta varombo? 4. Ko munozvisunga kurarama nomutoo wakafanira muchitenda kuzviisa pasi peshamhu yekereke kana muchinge mapara mhaka here? Davidzo: Hongo, Mwari atibetsere Pashure paizvozvo mufundisi achati: Mwari Baba vesimba rose, amupei nyasha dzake kuti pamubato uyu mugare nokururama, nokubereka zvibereko zvakanaka kuti zita raMwari rikudziwe uye kuti ushe hwoMwanakomana wake huuye. Mashoko okusimbisa vatsva nechiunga chose: Zvino imi vatariri zvichenjerei neboka rose ramakaitirwa vatariri varo noMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake. Murangarire kudzivisa nokudzora mumwe nomumwe pakurashika kana kuisa vamwewo pakurashika. Mubetserane navafundisi pamabasa ose oushe hwaMwari. Nemi, madhikoni muve nemwoyo unoshingairira kuunganidza zvipo, nokuzvigovera nokungwara nomufaro. Betserai vari munhamo, chengetai chirikadzi dzazvokwadi nenherera; komborerai vanhu vose, zvikuru avo vari veimba yaMwari. Zvino imi vatendi gamuchirai varume ava zvavari varanda vaMwari. Muvaterere nokuvada nokuvapa kudzo kaviri sezvinoreva Shoko. Betserai madhikoni muchivapa zvipo nenhendo dzenyu nomufaro. Imi vakakomborerwa naMwari pavhurirai zvakawanda nomufaro musinganyunyuti; imi vachena mukudze vanokuchengetai, muve nomwoyo wokuvonga musinganyunyuti. Teverai Kristu muchitsvaka zvokudya zvomwoyo kupfuura zvokudya zvinopera. Bva zvatinokoniwa tose kuita izvozvo nesimba redu ngatinyengeterei kuna Mwari atibetsere. Munyengetero Mwari Baba vedu, tinomuvongai kuti munotishanangurira varanda venyu vangabetsera kurisa ushe hwenyu pakati pedu. Tinokumbira kuti muvawedzere nyasha dzingavabetsera kuita mubato wavo nokutendeka. Muvape njere nesimba norudo pabasa ramakavadanira kuti vanhu venyu vasimbiswe pane zvomweya nezvomuviri. Betseraiwo chiunga chino chamakavaita vabati vacho, kuti vaterere kurayirwa nokunyaradzwa. Ipai vane zvakawanda mwoyo wokugoverana navanoshayiwa, mupewo varombo mwoyo wokuzvibetsera nokuvonga kuti zita renyu rigokudziwa uye kuti ushe hwoMwanakomana wenyu Jesu Kristu huuye, uyu wakatidzidzisa kunyengetera tichiti: Baba vedu muri kudenga, Zita renyu ngariitwe dzvene, Ushe hwenyu ngahuuye, Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sokudenga. Mutipeiwo nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana Mutiregererei mhosva dzedu, Sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatiisa mukuedzwa, asi mutinunurei pano wakaipa. Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba, nokubwinya kusvikira kusingaperi. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.