Kuvigwa Kwavakristu
RCZ Mirairo 11
1
Nziyo dzingaimbwa parufu (manamba matsva): 195, 196, 197, 198, 199, 200, 201, 202, 103; 100, 212, 226, 235, 124, 208, 104, 106, 109, 110, 135, 137, 138, 192 (ndima 1 na2), 102 (ndima 1 na2) Dzimwe ndima dzingasharwa nomutungamiriri: Joh. 14:1-7: 1 Kor. 15:35-44; 1 Kor. 15: 50-58; 2 Kor. 5:1-10; 1 Tes. 4:13-18; 2 Tim. 4:6-8; Zvak. 14:13; 2 Kor. 5:1; Joh. 5:24-26. Mwari wamasimba ose wakafadzwa nazvo kuti atore mweya wehama yedu iyi ivete kuti udzokere kwawakabva. Iye Mwari wakati, zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva. Saka zvino tinoviga muviri wake mubwiro kusvikira nguva inouya, yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari; uye vaya vanorinzwa vachararama. Zvino vaya vakaita zvakanaka, vachabudira kumuka kwoupenyu; vaya vakaita zvakaipa, vachabudira kumuka kwokutongwa. Jesu wakati: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda kwendiri, achararama kunyange akafa.” Tinoziva kuti iye Mwari, wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu pamwechete naJesu, agotiisa pamberi pake. Nenzira iyi tichava naShe nguva dzose. Naizvozvo, nyaradzanai namashoko awa. Shoko raMwari rinoti: “Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mugare musingazivi pamusoro pavaya vavete, kuti mugoregochema sezvinoita vaya vamwe vasine tariro. Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akazomukazve, saizvozvowo vaya vakavata muna Jesu, Mwari achazovauyisa pamwe chete naye. Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vagounganidza vasanangurwa vake kumativi ose. Hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa vasina kuora.” Saka vadikanwa, zvamunotarira izvi, shingairai kuti muwanikwe naye mune rugare, musina gwapa, musina chamungapomerwa. Mirai makasimba, musingazununguswi, muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina Ishe
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.