Mirayiro ine gumi (Exsodo 20:1-17)
RCZ Mirairo 2
1
Mwari wakataura mashoko awa ose akati: Ndini Jehova Mwari wako wakakubvisa munyika yeEgipita muimba youranda. 1. Usava navamwe vamwari kunze kwangu. 2. Usazviita mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira, nokuti ini Jehova Mwari wako, ndiri Mwari une godo, ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ndichiitira nyasha vane zviru zvamazana vanondida, vanochengeta mirayiro yangu. 3. Usareva zita raJehova Mwari wako pasina, nokuti Jehova haangaregi kupa mhosva unoreva zita rake pasina. 4. Rangarira zuva resabata kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe isabata raJehova Mwari wako, usatongobata mabasa naro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuwo ako, nokuti namazuva matanhatu Jehova wakaita kudenga napasi negungwa, nezvose zviri mukati mazvo akazorora nezuva rechinomwe. Naizvozvo Jehova wakaropafadza zuva resabata akariita dzvene. 5. Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehova Mwari wako. 6. Usauraya 7. Usaita upombwe 8. Usaba 9. Usapupurira wokwako nhema 10. Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.