Bhaibheri

Bhapatidzo Yavakuru

RCZ Mirairo 5

1

Hama dzangu, Kana vari vana vadoko vavaKristu vanobhapatidzwa kunyangwe vasingagoni kunzwisisa, nokuti Mwari anoita chitenderano navabereki vanotenda chinobata pavana vavowo. Asi vanhu vakuru havangabhapatidzwi vasina kunzwisisa. Vakuru vangabhapatidzwa koga kana vachema zvivi zvavo nokuzvirasha vachitenda kuna Jesu Kristu. Johane mubhapatidzi waingobhapatidza vaya vaireurura zvivi zvavo. Naiye Ishe wedu Jesu Kristu wakarayira vadzidzi vake kuti vandodzidzisa marudzi ose vachivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene; akapikira kuti avo vanotenda vakabhapatidzwa vachaponeswa. Saka vapostori vake havazaibhapatidza vanhu vakuru vasati vazvireurura zvivi zvavo nokutendeuka. Imi, muri pano, munoda kubhapatidzwa kuti chive chiratidzo chokuti makagamuchirwa mukereke yaKristu. Saka chitererai mashoko awa: Mumwe nomumwe agoadavidza, zvigoonekwa kuti imi munoda kuita mifambire yakanaka nenyasha dzaMwari. 1. Unotenda here Mwari wamazvirokwazvo iye Baba noMwanakomana noMweya Mutsvene; unotenda kuti ndiye wakasika kudenga napasi nezvose zviri mukati mazvo uye unozvichengeta pasina chinhu chinoitika kudenga napasi kunze kwokuda kwake. Unozvitenda here?

2

Davidzo: Hon’o. 2. Unotenda here kuti wakaponerwa muzvivi usingagoni kuita zvakanaka uchingorerekera zvakaipa, uye kuti wakadarika mirayiro yaMwari ruzhinji uchizviita nemirangariro yako namashoko ako, nemibato yako. Unochema zvivi izvozvi nomwoyo wose here?

3

Davidzo: Hon’o. 3. Unotenda mashoko awa pamusoro paJesu Kristu, anoti, ndiye Mwari zvirokwazvo ari munhuwo zvirokwazvo; ndiye Muponesi wako anokupa kanganwiro yezvivi muropa rake; iwe uchiitwa mutezo waKristu nowekereke yake nesimba roMweya Mutsvene. Unotenda mashoko awa here?

4

Davidzo: Hon’o. 4. Unotenda dzidziso dzose dzouKristu, sezvadzinodudzirwa nekereke ino yaKristu: unozvisunga kutsungirira padzidziso idzi kusvikira parufu rwako, uchiramba dzidziso dzose dzenhema, uyezve unotenda kutsungirira pakereke ino uchidya Chirayiro chaShe. Unotenda mashoko awa ose here?

5

Davidzo: Hon’o. 5. Unozvisunga nomwoyo wose kuti uchafamba nomutoo wakafanira muKristu, uchirasha zvenyika nemirangariro yakaipa, uye uchizvininipisa kana uchinge worangwa here?

6

Davidzo: Hon’o Mwari mukuru wounyoro akuitire nyasha kuti utsungirire pane zvose zvawatenda zvino. Mufundisi achabhapatidza achiti: Ndinokubhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.