Bhapatidzo Yavana
RCZ Mirairo 7
1
Hama dzangu, Tererai munzwe mashoko anodudzira bhapatidzo tsvene. Kuna mashoko makuru matatu: 1. Isu navana vedu tose takaponerwa muzvivi; naizvozvo hatingopindi muushe hwaMwari kana tisina kuponiwa rwepiri. Kubhapatidzwa nemvura kunotiyeudzira kuti mumimwoyo yedu yakasvibiswa nezvivi; hatigoni kuzvinatsa isu. 2. Bhapatidzo inorevawo kuti zvivi zvinosukiwa naJesu Kristu. Saka tichibhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. Tinobhapatidzwa muzita raBaba nokuti ndivo vanoita chitenderano nesu vachiti ndinokugamuchirai kuti muve vana vangu vandinochengeta. Tinobhapatidzwa muzita roMwanakomana nokuti anotisuka zvivi zvedu zvose neropa rake achitisunungura pazviri. Tinobhapatidzwa muzita roMweya nokuti anoda kugara mukati medu, agotiita mitezo yaKristu nokutivigira ropafadzo yaKristu agotisvitsa kuupenyu husingaperi muungano yavatsvene tisine gwapa kana vara. 3. Tinoziva kuti pakutenderana kwose panosiva navaviri vanozvisunga. Kana ari Mwari anozvisunga pabhabhatidzo kugamuchira vana vedu achivaita vadyi venhaka youpenyu husingaperi vasukwe zvivi zvavo muropa raJesu Kristu. Kana tiri isu vabereki (nezvapupu) tinozvisunga kuterera Mwari chose, ndiko kumutenda nokumuda nemwoyo yedu yose, tichiramba zvenyika, tichikurira munhu wedu wekare, nokufamba muupenyu hutsva. Zvino vana vedu vadoko havanganzwisisi mashoko iwawa. Nyangwe zvakadaro hatingavaregi vasina kubhapatidzwa nokuti vakatongerwa rufu muna Adama vazingazvizivi naizvozvowo vakagamuchirwa nenyasha muna Kristu vasingazivi. Ndizvo zvakarehwa naMwari kuna Abrahama, baba vavatendi vose uye anoderowo kwetiri tose navana vedu; achiti: Ndichasimbisa chitenderano changu pakati pangu, newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose kuti chive chitenderano chisingaperi; ndichava Mwari wako nowovana vako vanokutevera. Saka Mwari wakarayira kare kuti vana vadzingiswe, ndicho chaiva chiga chechitenderano chake. NaKristuwo wakambundikira vana vadoko nokuvaropafadza. Bva zvino bhapatidzo ndiyo yakauya pachinhambo chedzingiso, saka tinofanira kubhapatidza vana vedu, zvavari vadyi venhaka yaMwari, uye vabereki vavo vanozvisunga kuti vadzidzise vana vavo izvozvi kana vokura. Ngatinyengeterei Mwari kuti bhapatidzo iitwe nomutoo wakafanira. Ishe akudziwe, isu tigosimbiswa. Munyengetero Mwari wamasimba ose, tinokumbira kuti mutarire (vana ava / mwana uyu) nenyasha dzenyu huru, (mugovashonganisa / mugomushonganisa) naJesu Kristu nomubato woMweya Mutsvene, (vagovigwa / agovigwa) panhu pamwe naye murufu rwake (vagomutswazve / ugomutswazve) panhu pamwe naye muupenyu hutsva. (Ngavasenge / Ngaasenge) chinjikano (yavo / yake) nomufaro (vachinamatira / achinamatira) pana Jesu nokutenda kwazvokwadi; (vave / ave) netariro yakasimba, (vavewo / avewo) norudo runopisa, (vachimutevera / achimutevera) zuva rimwe nerimwe. Kana nezuva rokupedzisira (vagondomira / agondomira) pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, Mwanakomana wenyu, (vasingatyi / asingatyi). Tinokumbira izvozvi muzita raJesu Kristu. Amen. Kuvabereki vavana Vadikanwa muna Jesu Kristu, manzwa zvino kuti bhapatidzo ndiwo murayiro waMwari, uye chiratidzo chinopupura kuti wakaita chitenderano nesu navana vedu. Saka hatifaniri kuuya navana vedu kubhapatidzo tichingotevedzera vamwe, uye tirege kufunga kuti mvura yebhapatidzo ine simba rokuponesa vana vedu. Saka chidavidzai nomwoyo wezvirokwazvo mashoko omuchavhunziwa. kuti vose vagoziva kuti mauya navana venyu nomutoo wokunzwisisa. 1. Vana venyu ava, kunyangwe vakaponerwa havo muzvivi vachifanirwawo norufu nokuda kwezvivi izvozvi; ko munotenda kuti vanofanira kubhapatidzwa zvavakashanangurwa naKristu here? 2. Ko munotenda kuti dzidziso dzeTestamente yeKare neTestamente Itsva dzinodzidziswa mukereke ino, ndidzo dzinoratidza nzira yoruponeso here? 3. Ko imi vabereki (nezvapupu) munozvisunga here, kuti kana vana venyu vogona kunzwisisa (mwana wenyu ogona), muchavadzidzisa (muchamudzidzisa) zvakanaka dzidziso idzi, kana kuita pamunogona napo kuti vadzidziswe (adzidziswe) izvozvi? Munoti kudini?
2
Davidzo: Hon’o. Mufundisi achibhapatidza mwana achiti: Ndinokubhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen. Munyengetero Baba gamuchirai vana ava (mwana uyu) nenyasha dzenyu, munyore mazita avo (zita rake) mubhuku renyu roupenyu. Mubetsere vabereki vavo (vake) kuti vatungamirire vana vavo (mwana wavo) zvakanaka, pavakazvisunga napo, vagovasvitsa (vagomusvitsa) pana Jesu Muchengeti wavo (wake) nowedu tose. Tinokumbira izvozvo muzita raShe Jesu. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.