Chirayiro Chashe
RCZ Mirairo 8
1
Vadikanwa muna Jesu Kristu, inzwai mashoko okuvambwa kweChirayiro chaShe Jesu Kristu, sezvatinoudzwa nomupostori Pauro patsamba yake kuna vaKorinte panoti: “Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe chiya chandakakupaiwo imi, chokuti Ishe Jesu pausiku huya hwaakapandukirwa, wakatora chingwa, akavonga, ndokuchimedura, akati: Uyu ndiwo muviri wangu wamunomedurirwa imi; itai izvozvo kuti mundirangarire nazvo. Saizvozvowo, vakazoti vapedza kurayira, wakatora mukombe akati: Mukombe uyu ndicho chitenderano chitsva muropa rangu; itai izvozvi chero nguva dzamunenge muchidya chingwa ichi, muchinwira mumukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kudzamara achiuya. Saka munhu anenge achidya chingwa ichi kana kunwira mumukombe waShe nenzira isina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raShe. Asi munhu ngaazvinzvere agozoti odya chingwa nokunwira mumukombe nenzira iyi. Nokuti munhu, anodya asinganatsi kuzivisisa muviri waShe, anozvidyira nokuzvinwira kutongwa. Zvino kana tichida kudya Chirayiro chaShe nomutoo kwawo tinofanira kuzvigadzidzirira kwazvo, tigoziva kuzvininipisa pamberi paMwari. Pakutanga mumwe nomumwe ngaarangarire mumwoyo make kuti, ndine zvivi, aone kuipa kwazvo, agoziva kuzvininipisa pamberi paMwari. Uyezve, mumwe nomumwe ngaazvinzverewo mumwoyo make, aone kuti, ndinotenda zvirokwazvo here kuti zvivi zvangu zvose zvakakanganwirwa nokuda kwokutambura kwaJesu Kristu, uye nokufa kwake, ini ndichipiwa kururama kwose kwaKristu.Mumwe nomumwe ngaanzverewo hana yake, aone kuti, ndinoda kuonga Mwari nomwoyo wangu wose here ndichifamba nomufambire wakarurama pamberi pake, nokuda vokwangu norudo kwarwo, ndichirasha ruvengo rwose negodo. Vose vane mirangariro yakadai zvirokwazvo Mwari anoda kuvagamuchira nenyasha dzake, nokuvatendera kuti vadye patafura yoMwanakomana wake anodikanwa. Asi vose vasina mirangariro yakadai vanozvidyira nokuzvinwira kurohwa. Ndivava vorehwa zvino: vanopira zvifananidzo nemidzimu yavo, kana zvimwe zvinhu, navaroyi, navauki, navashoperi, navanotenda izvozvi; vose vanoninipisa Mwari neShoko rake neSakramende dzake tsvene; vose vanomhura Mwari, navanoidza kumukira kereke kana vabati venyika, vose vanopika nhema, vose vasingatereri vakuru vavo kana madzishe, vaurayi vose, uye vose vanogara vachivengana nokutukana navamwe; vose vanoita upombwe, navanokarira doro, navabi, namakororo, navanyengeri, navanoshumba zvavamwe, navanotamba mitambo yakaipa, navanonyangadza vachigumbusa vamwe, vanhu vose vakadai, kana vachirambira panzira dzavo, tinovanyevera kuti varege kudya zvokudya izvi, kuti kurohwa kwavo kurege kunyanyiswa. Asi izvi zvose, vadikanwa, ngazvirege kuodza mwoyo yavatendi vezvokwadi, kubvira vaya vane mwoyo yakapwanyika nokuda kwokusakwana kwavo. Kuuya kwedu pano ndiko kupupura kwedu kuti anongosichema zvivi zvedu, tichirwa nazvo misi yose. Asi tinotenda kuti anotigamuchira hake nenyasha dzake, kunyangwe tisina kukwana chose. Zvino Ishe wedu Jesu Kristu wakatirayirawo kuti tidye Chirayiro chake, kuti timurangarire nazvo.Pakurangarira Jesu Kristu ngatitende nomwoyo wedu wose kuti wakatumwa panyika naMwari Baba nokuda kwedu, akauya ari munhu zvirokwazvo; paupenyu hwake hwose hwapano pasi wakatitakurira kutsamwa kwaMwari, akaterera murayiro wose pachinhambo chedu; nokuti paGetsemani wakasungwa iye, kuti isu tisunungurwe; akanyadziswa iye, kuti isu tirege kuzonyara pamberi paMwari, akatongerwa rufu iye, kuti isu tisapiwa mhaka pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, akazoroverwa pamuchinjikwa iye kuti isu tidzimirwe mhosva dzedu, ndokuzotivigira Chitenderano Chitsva chenyasha nechokuyananiswa, zvichiitwa norufu rwake uye neropa rake. Zvino nguva imwe neimwe kana tichidya Chirayiro ngatirangarire kuti tinongoponeswa koga nokubayirwa kwakaitwa Jesu Kristu pamuchinjikwa kamwe; saka nzara nenyota yemweya yedu zvingangopedzwa naiye oga. Wakabvisa zvivi zvedu norufu rwake, akativigira Mweya wake Mutsvene anotiraramisa nanhasi. Nairwo rufu rwakezve takayananiswa naMwari, tikapiwa mikomborero yake yose, noupenyu husingaperi, nokururamiswa, uye isu vatendi tinosunganidzwa norudo chairwo, zvatiri mitezo yomuviri mumwe, zvichionekwa pamashoko edu nepamifambire yedu yose. Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngavatibatsire noMweya Mutsvene. Munyengetero Baba vedu venyasha, tinokumbira kuti mubate basa renyu mumimwoyo yedu, neChirayiro ichi choMwanakomana wenyu; kuti tizvipe kwaari nokutenda kwose; mweya yedu isimbiswe nomuviri wake neropa rake. Mutibetsere kuti tirege kurambira muzvivi zvedu, asi Jesu agare matiri, nesuwo tigare maari. Tipei nyasha dzenyu, kuti titakure muchinjikwa wedu nomufaro; tizvirambe; tichingotarira kudzoka kwaShe wedu Jesu Kristu kusvikira nguva yaachazotitora kuti tigare naye nokusingaperi. Mufundisi achimedura chingwa achati: Jesu wakati: Chingwa ichi ndiwo muviri wangu, wamunomedurirwa imi, idyai mose, muchindirangarira. Kana Mufundisi achivapa mukombe achati: Jesu wakati: Mukombe uyu ndicho chitenderano chitsva muropa rangu; inwai mose muchindirangarira. Kana Chirayiro chapera kudyiwa mufundisi achati: Vadikanwa muna Ishe, Mwari zvaakasimbisa Mweya yedu patafura yake, ngatikudzei tose zita rake, tichimuvonga; mumwe nomumwe abvumire mashoko aya mumwoyo make: Rumbidza Jehova, mweya wangu, Zvose zviri mukati mangu, Ngazvirumbidze zita rake dzvene. Rumbidza Jehova, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura upenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; Jehova ane tsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vavo, Naizvozvo Jehova anonzwira tsitsi vanomutya.
2
Nokuti haana kuramba kunyangwe noMwanakomana wake asi wakamupa chose nokuda kwedu tose; angarega seiko kutipawo zvose pamwe chete naye? Saizvozvo Mwari wakaratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira tichiri vatadzi. Zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwnakomana wake, tichiri vavengi vake, tichinyanya kuponeswa noupenyu hwake, zvino zvatakayananiswa. Saka muromo wangu nomwoyo wangu zvicharumbidza Mwari, kubva zvino Hokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.