Bhaibheri

Ngandikude Unoziva

Salvation Army · Nziyo · 103

Let Me Love Thee

1

Ngandikude, unoziva Zviri mumwoyo wangu; Rudo urwo rwune simba, Rukupe zvose zvangu, Mitoro yoreruka, Kusuwa kunopera, Kana zvoitirwa Ishe, Nokufarira iwe.

Chorus

Ngandikude Ishe, Utore mwoyo wangu, Nyasha dzako chete, Dzougutsa mweya.

2

Ngandikude zvionekwe, Zvawakandiitira; Ndiyamure ndigotenda, Ndichiona Karivhari, Ngandione rudo rwenyu, Runyadze zvivi zvangu, Nokutambudzika kwenyu; Rudzikinuro rwangu.

3

Ngandikude, Ndigofara, Kana ndichikudisisa; Mukufara, mukusuwa, Ndingawane zororo. Rudo runorerukisa Kusuwa nokurwadzwa; Rudo haruchazobvunza, Ruchakunda mukurwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.