Thou Christ Of Burning, Cleaning Flame
1
Kristu, moto woutsvene, Mutume moto'yo worudo. Toda chipo chamatenga, Mutume moto'yo worudo. Hondo iyi mutarise, Mweya wenyu ngauuye, Toda kuti titsveniswe, Nomoto, nomoto worudo.
2
Mwari waErija, tinzwei, Mutume moto'yo worudo, Mutiite tirurame, Mutume moto'yoworudo Kuipa kwedu kupiswe, Ruvhenekero rupinde, Izvi zvose ngazviitwe, Nomoto, nomoto worudo.
3
Toda moto, tokumbira Mutume moto'yo worudo. Muchatipa zvatinoshaya, Mutume moto'yo worudo Tipei simba tirurame, Tipeiwo ngoni tikunde, Tepeiwo kuti ticheniswe, Nomoto, nomoto worudo.
4
Tisimbisei, tiyamure, Mutume moto'yo worudo Vatadzi ngavaponiswe, Mutume moto'yoworudo. Tozvipira mberi kwenyu, Nezvinhu zvosewo zvedu, Zvitsveniswe nomweya wenyu, Nomoto, nomoto worudo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.