Bhaibheri

Gwayana Rekarivhari

Salvation Army · Nziyo · 113

Blessed Lamb Of Calvary

1

Gwayana reKarivheri Tumai mweya kwandiri Zvino undishambidze Ndicheneswe sechando, Kuti upenyu hwangu Hakufadzisei, Ishe

2

Bisai kuzvida kwose, Kuda kwenyu kuitwe; Rudo rwangu rubvire Nomweya, rutsveniswe; Kuti upenyu hwangu Hukuwanire vanhu.

3

Ndidzidzisei kurwisa, Nokukunda zvitema; Ndipeiwo mutsa kuti Ndinzwire vamwe tsitsi; Ngandizadzwe norudo Ndikushandirei, Ishe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.