Bhaibheri

Ngatitendei Mwari

Salvation Army · Nziyo · 12

Now Thank We All Our God

1

Ngatitendei Mwari Nemwoyo yedu yose; Anezvishamiso Zvinoifadza nyika; Kubva pauduku, Watikomborera, Nezvipo zverudo Ndezvedu narinhi.

2

Upfumi hwaMwari Ngahuve pedyo nesu; Mwoyo ifadziswe, Norugare kwatiri; Tigare mungoni, Dzititungamire, Dzitisunungure Pano nokudenga

3

Ngaatendwe Mwari, Ngaarumbidzwe Baba, NoMwanakomana, Naye Mweya Mutsvene; Mwana mumwechete, Wepasi nedenga, Waive, achave, Nokusingapere.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.