Bhaibheri

Ishe, Ndinozvipira

Salvation Army · Nziyo · 123

Dear Lord, I Do Surrender

1

Ishe, ndinozvipira Pachangu kwamuri; Nguva nendangariro Dzaibatwa neni. Ndanzwa kudaidzira Kwenyika, nokwenyu, Nditumei kuyamura, Ndiripo 'She wangu.

Chorus

Ndiripo 'She, nditumei, Ndiripo 'She, nditumei, Ndinozvipira ndichiterera, Ndiripo 'She, nditumei,

2

Kare handakakudai, Ndakazvida bedzi, Asi, ndakatarisa Vanhu varasiki. Zvino handingasiye Mweya yavatadzi, Vashandiri vashoma, Mabasa mazhinji.

3

Inzwai, Mwari weDenga Zvivimbiso zvangu; Kwamuri ndozvipira Noupenyu hwangu. Kunyange ndichizvidzwa Neshamwari dzangu, Ndinokupai muviri, Diramhamba rangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.